Skip to content
Home » Poetry » Issue 2 » Ndakazvidengezera

Ndakazvidengezera

Handina kuzvikumbira kana kuzvitsvaga
Ndakangozvarwawo mazviri zvikawira pandiri
Ndakachema nokuchemedzwa nazvo
ndakarerwa ndikave nezera
ndichingonzi, ‘sunga dzisimbe’
ndakazvidengezera

kukura kwakandiudza kuti ‘kurauone’
nyn’ambo nekukurukura hunge wapotswa
ndakaona chekuona ndikatsvukira
pasina wekuudza
ndaingozviudza ndega
‘kuwira pasi hakusi kuparara – simuka iwe’
Ndakangozvidengezera

Ndaumburudzwa, ndaisimuka ndichizunza guruva
Ndichizvinyararidza kuve pamanga chena
Nhema yakarivara zvokutorara haina kokutizira
chena inosvova kuziva mariva ayakateyerwa
isingaoneke miseve – inonanga pavete nhema
ndakangozvidengezera

chakachenjedza ndochakatanga – zvinonda veshasha
ndakasunga dzikasimba – hadzidambuke
rega zvipore akabva mukutsva
shiri yakabvuta rekeni – hupenyu hokoyo
zvino ndotamba muchongoyo nejikinya
ndakangozvidengezera

mupfungwa nemuhana muzere zvirere
zvomumusha umo ndakarerwa nokukurira
ndotarisa shure izvozvi chinongedzamberi
kwandakabva handikusiye hakusi kuseri
mumusha muhukama nekumba kwedu
ndoenda mberi ndakangozvidengezera