Vakasvaya mambure vanozviziva
Pota neko tisangane ndiwomurairo
Iyozvo pazvitumba tasiya dzakarinda mhare
Vakandi vemapfumo vasingapotsi
Vanokanda nduni ichinanga paufiro
Yagadzikwa musoro kubhazhanguka
Vane mimbure nevasina kukomberana
Hohoho yotinhira kwete yemhanda
Asi paumwe kuti ipinde mukati
Kunzwa chati chokoto rosvitswa Shoko, ‘MUKATI’
Neange oita zinengenenge simba rodzinhira
Mabwe nemiti zvohwa nekukokodzwa
Chinangwa isapoya ‘NEPANDIRI’
Kupoya nepauri tsoka dzonanga kumba
Watadzisa vasvayi KUGWANGURA
Kumba wosvika vamwe vachiri kusvaya
Vari pamukova kuona maoko akangoti rengwa voziva
Ndiwe wapoyesa yemuto ukanyimwa CHIHWAHWARIDZA
Zvino navo muto unongaima voshaya
Dzinza naro rokushora
Mhunhui usingagoni kusvaya navamwe?
Kuenda mambure wotorera dzinza kusekwa
Zvituko zvichina mukunemerana
Zvemambure mukomberanwa chuma chomuzukuru
Zano ndega kumambure haadikwi
Kunzwa chati chokoto ukanyarara
Tsoka dzoringa kumba muundoga
Ndiwe waita ipoye gwangu akatsvedza
Hakuna anokotsira rwatanga rwekusvaya
Nemazwi ari pamusoro kusheedzera
Chikokoko kukokodza miti namabwe
Zvino iyoyi tadii taikomberana
Tapedza irori jwechwe radai kuputira nyika
Matama nemamhorodzi emisodzi isiomi
Tichiita chikokoko chekumambure
Garira neko ipinde mumambure
Tichiudzana pota neko tindosangana
Munoti tingaikonewa here?
Tisingazezi kudzosa kumusha asiya ichipoya
Tisingasvodi kudzosa wanyarara anzwa chati chokoto
Tichisunga rimwe zano paumwe hwedu
Tisingaringi ukama pakuenzanisa waposha
Tichiivhiya tose takaungana
Umwe neumwe wedu chihwahwaridza achitakura
Nevasara kumba vachise vamuto
Zvokwadizve taiikunda nyemwerero ukava ndiwo murimo
Tinashe Muchuri is an actor, blogger, journalist, performer, poet, storyteller, writer and a Shona consultant with a keen interest to arts and indigenous knowledge systems. He is the author of an anti-novel titled Chibarabada (2015) and two children’s books. Zvipfuyo Nevana Vazvo (2013) and Auntie Mazvita (2021). He enjoys writing in Shona and researches around the knowledge systems of the Shona people. He has freelanced for several media houses online and print. His poetry in both English and Shona appear in several online and print publications across the globe. He also appears in several films and television dramas among them ‘Nyaminyami and the eggs of the evil’, ‘Playing warriors’, ‘Tanyaradzwa’, ‘Tiriparwendo’ and ‘Vhunze’.