Skip to content
Home » Poetry » Issue 3 » Haina Mavhiri

Haina Mavhiri

Havazvione kuti haina mavhiri.
Kwavari imotokari muzvambarara chaiwo.
“Vhuumu!” vanodarovana kana yamuka.
Ivo ndivo madhiraivha neinjini zvose.
“Vhuumu,” vachikuma kuti iyende mberi.
Yave kutokwidza makata mupfungwa dzavo.
Ichidya makomo nemiti nenzizi ichienda.
“Piipu! Pii-pipipipi!” havade kutsika munhu.
Nokuti vanotoziva kuti munhu haatsikwe.
“Bhaibhaaaaai!” vachiwonekana nevadikani.
“Tichakuunzirai zvinonaka,” ivimbiso iyoyo.
“Huuu-uu!” vachienda kunodiwa nemoyo.
“Wuuuuuu!” vave kudzika pana Shashi.
Pamupata weMavhirivhiri koromo kata.
“Hona murungu uyo ari pabhasikoro!”
“Hona musikana wandicharoora uyo!”
“Tarisa miti iri kumhanya ichidzoka shure!”
“Hona dhirezi rinenge ramai vaSekai iro!”
“A! vari kugeza murwizi pasi pebhiriji pachena!”
Inoenda kwavanoda panguva yavanoda.
“Tsviii. Tasvika!” kutaura kwevana vaye.
Vasvika patakasvikawo gore riye riye.
Ngavarege kuzoita zvatakaita isu patakasvika.
Vanoziva vanoti, Mwari anoziva.

*Kubva muna Shamhu Yezera Renyu

Also by this poet: