Skip to content
Home » Poetry » Issue 4 » Kusina Mboni

Kusina Mboni

Padzakangoshongana
Chiriporipohlo takazivana
Zuva riya ratatanga kuvonana
Ndikayeuka kuti takambodanana
Pane imwe nhambo isiri nguri ino
Kune imwe nzvimbo isiri pasi pano
                Kwatakanga tisina mboni

Patakaringana mukatikati momeso
Hana dzakati pa! mboni dzichimbundirana
Nyau nyau ropa kumanya sezvikova
Kuti zharara sechimera tichimerera
Mweya yedu ichihwanana
Ndikahwa ndichiri kukuda
                Sokuhwavo kwako uchiri kundida

Ihwi rako rakamurudza moyo wangu
Ndokunounyika mumukoko wevuchi
Ndikanyongovera zvokusvinika gachichi
Zvokuti wakahosara wokanda shoko
Ndanguri ndaziva kuti ndiri wako
Huye kuti newe uri wanguvo
                Zvakanga zvisingazibgwi nemboni

Pava paya wakatanga kunzvengesa chiso
Ndikaziva kuti maiwee zvadotanga!
Gwendurugwendugwe zvakare
Sezvawakambondiita paya
Munzvimbo iya isiri pano pasi
Panhambo iya isiri ino nguri
                Patakanga tisina mboni

Rudo gwomene haguvandiki mudiwa wangu
Chisipiti chamakwenga omoyo wangu
Uchavanga ugovanga, uchivanda, kasi
Tichashonganazve patichazvagwazve
Ugondisvangaridza sesvengede
Mune imwe nzvimbo, pane imwe nguri
                Kwatinenge tisina moyo, nyama namahwi

—Sokuya, kusina mboni