Skip to content
Home » Poetry » Issue 4 » Uroyi!

Uroyi!

Mari yokudya kwavana yoboverwa nezvipatara,
Baba Zvicha vava murungudunhu,
Wakavaundura nemvura inofazha sehuku.
Mai Zvicha voyaura nepurasita muchipatara,
Wakavazhakwa nomupini wedemo.
Zvicha musoro wonge bhandamukonde,
Wakamuputsira chitinha mumusoro.
Akakombwa naanachiremba, hanzi musoro ngauvhiyiwe.
Kuchikoro vakamumirira hanzi asvetukwa nezvidzidzo.