Skip to content

Hupenyu ivhiri
Ndakagara ndinofunga kaviri
Dai ndakasikwa segonzo ndichidya hangu nhoko dzezvironda
Vaisaseka
Dai ndakazvarwa ndiri shiri,
Ndaisagaya kaviri
Ndaibhuruka
Kwayenda mhepo
Vaisaseka

Makomba anyanya
Kuita kunge matanyera
Vanotofunga kuti ndinofamba ndichibhamba
Hamba yakada makwati
Dai ndaiva hamba
Vaisaseka

Chisekwa
Ihakwa hwemakomborero
Kumeno yaSamatenga inotapira
Sedamba
Inotamba pasi kuputsirwa, kuti ibude
Chero Jobho akakwenya wani

Nhamo ndakatamba nayo
Kusvika yakundidedza kuti “sahwira”
Asi Sahwira mukuru
Imhuru, bhuru pavanotsoma,

Zvishoma zvakandibura mubhodho resadza
Kuzivikanwa nemhanza pamusika
Sadenga, kutuma ngirozi
Kurapa njodzi yenherera
Ndipo pakaperera rusangano rwenhamo
Tikatozoona tatobhadhara rusambo
Tsitsi dzinopisa kutambura
Akashandura hupenyu hwangu
Tsitsi mukadzi wangu,
Wafireiko?