Zvogona kudero tichiterera muviri nerushambwa rwenzendo huru,
Kuyeredza misodzi pasina domwe zvaro rinoeredza mumatama.
Kutsvuka maziso pasina hutsi kana chin’ai chatosvoro mboni,
Zvogona kungomuka zvakarereka kunge zhira yeBoterekwa
yaunofamba uchinyahwaira sechembere.
Unogona kumuka wakabata nyika nezwi rechenjedzo wakabuda murushambwa
Kuita mhanza mambure wabika huchi nehupfu muruvanze maMatonjeni,
Kurota wakabata jenya ugomuka wakarara pagomo repfuma zhinji yendarama
Kurota uripakati kati pesango uchivhima Nyati asi uchimuka wakabata nyanga yeNzou
Hezvoka ndini uyo ndiine tarisiro asiko rwunongova rwendo rwepfungwa,
Ndiniwo ndine yeuchidzo asi ndakatandavara mubako rangu pakati pedhorobha
Ndinogwesha kubva pano ndichienda apo, kuita segwereveshe ndirimunhu zvangu
Kuita sembongoro mumaziso evanhu ndichifema saiwo vana vamusiki
Asi pamwe zvinogona kuita sekuda kwerotso yezuva inouya ichindivariadza ini zvangu Wadyei.
Munyori anonzi Shelton Chiuswa. Akaberekerwa kwaMutare, akakurira muGweru nemuHarare. Akadzidza kuzvikoro zvinoti Chaplin High and Marlborough High kwaakatanga kunyora nhetembo asi ainge asati ambotsikisa mabhuku.
Parizvino ane magwaro efundo eBsc in Management of Information Systems ne Women University. Anoshanda kuEconet Wireless Zimbabwe saSoftware Developer. Panguva yaanenge asiri kubasa anofarira kudzidzisa mutambo weragibhi nekunyora nhetembo. Anotarisira kubuditsa bhuku rake renhetembo rinonzi Chibayo Chemoyo mwaka mishoma inotevera.
0771222823 https://www.linkedin.com/in/shelton-chiuswa-4b786129/