Skip to content
Home » Poetry » Issue 6 » A lamentation of a barren woman

A lamentation of a barren woman

Chibereko charamba kubereka!
Chokwadi here ndopinda muguva,
Hupenyu mandiri husina kubuda
Amaihwe! Baba vangu imi Shava!
Shungu zvese nemarwadzo epfungwa nenyama
Zvokonzera mabayo mutsinga, ropa kufashaira.

Chiremba ati zvigodo zvechibereko, ndozvandikonesa kubereka
Machembere ati enda kuseri kwechikomo unoona godobori Sekuru Guvhuraguma
Murume aisa shangu mumaoko, tsoka ndokubereka
Ati pamombe dziyaa dzandakabvisa,
Paiva neyaAmai, nedzimwe dzekuti waizove Amai vevangu vana.

Ndiani angaziva marwadzo angu?
Koiye anoti arasikirwa nemwana murufu
Ndine mubvunzo mumwe mukuru
Iwe wako wakabara ukaviga kamwe,
Kowangu?
Wangu anofa pazuva kaviri katatu
Muguva risina tariro kana nendangariro.

Hewuwe…hewuwe…
Hewuwe…
Nyarara moyo wangu
Hehuwe…hehuwe…
Hehuwe…
Nyarara mwanasikana wangu

Ini ndicharamba ndakakumirira
Sekumiririra kwandakaita ihwo humambo hwatakatarisira
Pamwe pakuuya kweiyo nyika itsva,
Maoko angu, iwe achabata.
Asi tisati tasvika, tisati taonana,
Ndicharamba ndichichema
Chibereko charamba kubereka!
(Charamba ahhh!)