Imba inotapira Nyasha dzapa mbereko
Wazvitakura, wosvisvina ivhu repachuru
Tsvitsviriri watuta kumberi sewakamedza nhiwa
… igure.
Wakati twii asi uchiita sewoda kuita manhede kupidigukira shure
Waibata hako mimba haitambidzanwe.
… idungamunhu rwendo rwekure
Ndivo ana nyakutumbura
…zvonzi akazvitakura (kuve mukati mako)
…zvonzi ane pamuviri (kuzvivirikidza newe)
Mapaonawo sei apo?
…dzikisai gejo.
Panozvarwa mwana ndipo panozvara mai
…chiri chinamira asi rukuvhute rwadonha.
Unoyamwisa kusvusvudza uchiimbira nokukurungira
Wodzimura nyambo dzemusodzi
Arwara hauvati
Unorara ugere.
Chino nechocho kutobata jongwe muromo
Simba racho kusinira semarara anoramba achiuya
Amai ndiwe mudzidzisi wekutanga
Uye nekusingapere
Dohwe rinowira pedyo nemuti musatuke tsvimbo
Mbudzi hairege kudya mufenje
Mai vanosiya muhwezva
Hweshamhu inoshwapura kudzora nokuumbiridza murudo
Maiwee, Mhai kani!
Amai vangu kani!
Yowee, Amai hwee!
Tese kwese zvikanyanyisa chete inongova;
Yuwii, Amai hwee!
Kudzamirwa mukufara zvikuru sei
Mukusvimha todana amai…
…izwi ramai ijekiseni risingarwadze
…izwi ramai mushonga unotapira.
Vanokukomberedza nokukunyararidza
Wobhabhadzirwa
…mai idonhodzo razvose
Vaiziva pavakati, kusina mai hakuendwi.
…mai rutiziro rwewese pwere nanasaimba
…mai mubatsiri nemusengi wenhunha dzevana vavo.
Zvaoma, mai vanosiirwa vacheche
Wotangazve kurera.
Humai haupere veduwe
Ijeri rekusatoda kurishaya
…unorikoka nokurigota.
Mai ndimai…vako nevake;
…humai hupenyu hwese
Kana vachipo zvavo
Usadzora ruoko kuita madanha.
Pauline Chirata Mukondiwa grew up in Highfield, Harare in a family of nine. She has three children and two grandchildren. Pauline is a farmer and a keen waterwise gardener who enjoys travelling, meeting new people and getting to know their land, life and foods. Tasting indigenous cuisine is a must in her travels. Throw in some birdwatching and its bliss for Pauline. She loves a quiet space with a pen and a paper where she can dream.