Skip to content
Home » Poetry » Issue 6 » Kusina Mai

Kusina Mai

Takakura vachiti
Kusina mai hakuendwe
Hatina kumboita hanya nazvo
Nekuti taive pwere.

Taive pwere
Kusina mai kwaive kusina mukaka
Taisaendako
Takangokura vachiti
Hakuendwi
Munorarira gusha.

Takazoti tave zvimhandara
Tati kwaku paya
Takange tave isu ana mai vacho
Takafuma taveko
Kusina mai
Takaona tave nadzo pwere
Dzairamba mukaka wembudzi
Dzichida wezamu redu!