Skip to content
Home » Poetry » Issue 7 » Mavara Emisodzi Yangu

Mavara Emisodzi Yangu

Vamwe vanoti semvura misodzi
haina ruvara.
Asi yangu misodzi
inoyerera nemavara.
Vamwe vanoti zvinobatsirei kuyeredza musodzi
kana isingamudzosi?
Ndinorwadziwa asi handidembi.
Chandinogona kudetemba.
Hameno kumhepo ikoko kana muchigona kurirava
muzive kuti makandisiya ndakarivara.
Ndaedza kutsvaga zvinonditandadza
asi pfungwa dzinongoona kwenyu kutandadza.
Ndaisa zvinonaka mumuromo asi ndatadza
kumedza.
Dzamera
mumusoro wese ndangariro.
Kwete dzemariro
asi dzemagariro
atakaita hupenyu hwese.
Ndiyani aimbofunga kuti
kufambidzana, kufambirana, kufarirana
kufarisisa kufarisa, kufarira nokufara
kunozoputirwa kwese mujira jena
kovharirwa mubhokisi kodzikiswa mugomba kofushirwa muvhu
musi wekufa?