Skip to content
Home » Poetry » Issue 7 » Mharidzo yeparufu!

Mharidzo yeparufu!

Ndizvo here kuti vakanaka ndivo vanoenda zvavo
kana kuti ingori mharidzo yeparufu,
wafawanaka?

Kuriko here kunoendwa 
kana kuti hakuna Kenani iriko,
wafawarova?

Unoreva idi here zvowoimba
“Dai manditora ndaenda naye”,
Soja raenda?

“Nyarara kuchema, Mwari akunyaradze!”
Zvinobva papi mumwoyo yenyu
zvisingasvikewo kune wangu wakadai kuputsika?

Inzira yedu tose, hongu, 
asi ko sei isina kutitora tose
nekasvava kangu?