Skip to content
Home » Archives for Tavada Nhume

Tavada Nhume

Tavada Nhume akazvarwa mugore ra1989 kuChegutu. Kumusha kwake kuMberengwa, mudunhu reVutika munyika yaShe Maziofa. Akadzidza paVutika Secondary School kuMberengwa ikoko. Akazoita zvidzidzo zveHuman Resources Management neInstitute of Peole Management of Zimbabwe (IPMZ), huye zvidzidzo zvekuchenegetedzwa kwenharaunda, kudzivirigwa kwevashandi kubva kunjodzi dzepabasa nezvinokanganisa vutano hwavo. Tavada ane nduri dzake dzakatsikiswa mumabhuku anoti Tipindewo Mudariro, Dzinosvosva, Chainga Chenduri, Maungira eZimbabwe, Zambuko, Izwi reNharirire, uyewo padandemutande ramasaisai paMunyori Literary Journal, muThe Connect Magazine yakabatana neThe Gourd of Consciousness Poetry nepaWINZim Poetry neFiction Blog. Anewo nyaya pfupi yake yakatsikiswa mubhuku rinonzi Gangaidzanwa.