Skip to content
Home » Poetry » Issue 1 » Wakativigira vungwaru

Wakativigira vungwaru

Wakariga zhinji dzedu hama,
Pasi rose ukananzva semoto wesango,
Hasha dzako dzichitutuma sedoro ravirisa,
Sare tati kwaka mudzimba
Samakwari avona gondo.

Madhorobha akasara ati zi-i,
Migwagwa kushaya chinoti mve-e,
Mabasa akakuva semichero,
Iwe watitenhera semombe mudanga,
Uchiti wangofambafamba naye tsvemete!
Ndokusara zviso zvedu zvasuruvara.

Kunyange zvazvo wakavuya uri mutakati,
Rimwe divi wakavuya somudzidzisi,
Wakativigira vungwaru
Hwekugona kutandaravo murudo semhuri;
Nokushanda mabasa padandemutande ramasaisai;
Nokuvungana padandemutande ramasaisai;
Nokudzidza mumakirasi emumhepo;
Nokututsira vutsanana hwedu;
Nokuzvishandira mabasa edu okuzviriritira.
Tinokutenda iwe Corona
Novungwaru hwawakativigira uhwu!