Skip to content
Home » Poetry » Issue 5 » Mudiwa Sara

Mudiwa Sara

Ndaneta kuchemera mukati chimhandara terera
Ndanzwa nekusuwa mbundiro mudiwa swederera
Uri wangu mutakunanzva zipira gotsi semutakura
Wazindidzvanya panobaya moyo chaipo chisikana
Kundimbinyura katya kusvika ndakuvara musana
Zvino ndanana, kupusira mudendere sezana

Rwako rwudo rwakasimba kunge ganda rehahuha
Moyo muchena weke serukuni rwadirwa muchaiwa
Rudo rwako ndirwo rwakanzi naDhewa kana rwonaka
Chikodza ndumurwa munzara semhodzi yegaka
Usandityire chimhandara murudo, murudo ndinewe
Rega ndikutsengere mangu mukanwa sedohwe

Chitekenyedza changu, chimviriri musekedza moyo
Chigutsa dumbu, muzvimbira dumbu sesadza rezviyo
Ndaneta kukusuwa chimhandara saka dzoka kumba
Wandimisa rangu zenze tarira ndodzvova seshumba
Kusimudza uturu hwehurume huri mandiri serovambira
Uri chivhindikiti, ishwa namamba ayo mudiwa Sara.