Nhasi Chishanu, magwaza!
Ndosaka mabudikira pano paMai Riniya, handiti?
Ah, tingarega nemabikiro anoita Mai Riniya?
Mukadzi unobika doro mhani uyu!
Haurevi nhema ipapo.
Asi ngangirosi yamai Riniya inoita seyakafonyogwa nemotowo iyi.
Yasiyana neya Mbuya Mai Dhanzi hofu iya.
Haungamboiti huro shanu ipapo, inhema!
Ukaera waiisa pamuromo ngangirosi iyoyo unombochovha.
Unotozoibvisa nekuda kukabira mhepo.
Tinenge tichingoona gurokuro richitamba
sere mupurwa wakasunga mombe chishwe.
Iwe hauzivi kuti Mai Dhanzi vanokudza ngangirosi
nekuti doro ravo rinoita semakoko adigwa mvura?
Ungarienzanisa neiri ratiri kumwa pano here iri?
Nhaimi vakomana, wachinja bute rangu achindipa dandara ndiani?
Shuwa bute randakapuhwa naRameki mwana waKireto iri?
Chero ndimi Sekuru Japu, ndiro bute riya here iri?
Shuwa kuramwigwa iri rekuseri kwedanga raJongore here iri?
Haiwavo, musatipedzera nguva nenyaya dzenyu dzebute.
Tarisai Kirasiyo watopedza dhirihora raakatora kwaMai Pesanai riya.
Dhirihora riya rinofaya mhani!
Ndakaripa Muderera akafunga kuti imbanje dzaAizeki.
Asi bhuru raMakamanzi ngarisadero!
Mozivaaa, sure kose kwebhuru raChiginandi kuya wangova mwena uzere honye?
Nyanga dziya hadzina kunaka mhani!
Kutesvera kwacho ungati itsono yehembe dzamasoja!
Haaa, hazvitendegwi zviya varume!
Shuwazve!
Ko nhaimi, rapera here?
Chinguva tamirira?
Muri kunoritorepiko rinoda kuti timedze mhepo semakwereveshe?
Tipei timwe mhani; handiti ndozvamatidanira?
Iwe pfuteseke, mwana wayokera!
Unoudza mukadzi wako izvozvo!
Hehehede! Saka iwe uri mukadzi wani?
Tanaka Chidora munyori wenhetembo nenyaya pfupi. Anonyora neChiRungu pamwe neChiShona. Ndiye munyori webhuku renhetembo rinonzi Because Sadness is Beautiful? (2019). Novhero raChidora rekutanga reChiRungu rinotarisirwa kubuda muna 2023 sezvo pakawana vatsikisi vakataridza kufadzwa naro. Chidora akafundisa paUniversity of Zimbabwe muDepartment of English kubva muna 2014 kusvika muna 2021. Parizvino Chidora ari kuGermany uko kwaari kuita tsvakurudzo dzake ari paGoethe University.