Skip to content
Home » Poetry » Issue 3 » Chiramwiwa

Chiramwiwa

Mwanangu Chiramwiwa
unopindireiko mumadhaka ako iwaya?
Wabva wazvizora chiso chose kudai!
Wakunge kapoko keparwizi Tiringindi
kanobvunza vanhu zvitupa kunge kapurisa!
Kapoko Magareta kanoshusha vanhu vanozvifambira.
Wakubva wanyora madziro ose kuti Chiramwiwa?
Pose Chiramwiwa, Chiramwiwa, Chiramwiwa…
Ndiani akakupa zita rine chirevo kudai?
Pamusuo, pasherufu, pakabati, pachigaravakwati…
Inongove Chiramwiwa, Chiramwiwa, Chiramwiwa…
Dai uchigona kuvaka mavara taiti zviri nani, Chiramwiwa.
Unotokombamisa mavara kunge mabharani wekwaDotito!
Mabharani Kadohwata akadzidza nepahwindo!
Ndiani angaverenga mabharangisha emadhaka iwaya?
Pazasi pacho apo wanga uchida kunyora kuti kudii?
O! Mai vanguwee, wanga uchida kuti Zimbabwe…
Ndokuguma wati Simbarambwa? Kunge kutuka!
Chiramwiwa, ndiani ati ukanye matope iwaya?
Vamwe varipi zvawasara wega mumadhaka iwaya?
Tarisa wati piriviri semutsvanzva wepaguva.
Uchaita sei netsimba rako rawadhinda pamucheka wambuya?
Uri gudo chiverevere here, nhai Chiramwiwa?
Tarisa zvanza zvako izvo kumadziro emba yose
Dai wageza mawoko madhaka asati awoma, Chiramwiwa.

*Kubva muna Shamhu Yezera Renyu

Also by this poet: