Tasunungurwa tendai Ishe.
Tasunungurwa tendai denga.
Tasunungurwa tendai ivhu.
Makumbo takambosungwa.
Miromo tikasungwa.
Njere chaidzo, tikasungwa.
Mudzimba tikasungirirwa.
Pazhe takachochora kubudapo.
Meno tikapanga kumaona.
Vana mbuya nasekuru tikaita setacheka ukama.
Kuviga hama yashaika—kwakava bundu ravavira kumusana, zvaigozha.
Senhika—takagara mumwena
Tasunungurwa tendai Ishe!
Sedenga ramisi—zvakatanga.
Tevere yamhara pagomo.
Yoshinyira, toti iri kure—
kuno kwedu haisviki.
Padandemutande—tonzwa nezvayo.
Pazvivhitivhiti yoverengwa.
Mazuva achifamba—
dutumupengo richifambavo.
Sepfuti—simba ratokokwa, mbumburu ibakwa.
Heyo! Yoita zimuzadzadenga.
Zvino yoita kuteuka.
Haichadi kuona chinhu mberi kwayo.
Tasunungurwa tendai Ishe!
Yakazadza denga rose.
Yakazadza pasi rose.
Yakawodzvoka zvine mutsindo.
Kwamazuva akawanda
Dzimwe nguva, yaiita nhete.
Dzimwe nguva yaikoresa, ine chimvuramabwe.
Takadumbirwa nayo.
Njere dzikatombofunga zvengarava yaNowa.
Yakatidumbira—sembwa yamedza hona yedore.
Yakawaranyura matenga.
Yakatora dzimba.
Yakatora masaimba.
Yakatora pwere.
Yakasiya maburi.
Yakasiya makambwi.
Yakasiya makoronga.
Yakasiya mitswi.
Tasunungurwa tendai Ishe!
Dutumupengo—dzihwamupengo!
Razooneka—asi rakasiya mbare.
Razooneka—tapererwa—kugumirwa.
Tanga tangovanyungururwi munyanza.
Kuita zvikumbwe zvadirirwa ruredzo mumwena.
Takange tangomirira kuputika samaputi akandwa murufuse.
Tikati tichagotyeyi kununa, isu tiri pamutariko.
Nhomba yakashaiwa simba, padenda.
Nhomba yaRufu ndiyo yakatowedzera kukura
Haasi munhu—ndiMwari watinyukura.
Tanyukurwa tendai Ishe!
Zvikasatorasha.
Mbiradzakondo dambu!
Totoridza mbira zvedu.
Kufamba yava sharaude.
Kuseka yava sharaude.
Kuhotsira ava madambi.
Kufukira tofukidza masvikiro.
Kusaungana hwava hushai, kana kuti kukuva kwerudo.
Zumbani wavashizha rinodhingura chikero—wakasiya asumudzirwa.
Mweya wokufema wadhingurwa mutengo—
ava mahara zvakare.
Yavara!
Tasunungurwa tendai Ishe.
Denda rawoneka.
Denga razaruka
Tose topembera.
Francis Muzofa (aka@Pope) ndinyanduri anonyanya kunyora nechigezi asi ndiMoyo, Chirandu. Imhuri youmambo saka madzishe echiduma anonyanyotaura chiduma mumatare avo. Ndokusaka Francis achiwanza chiduma kana kuti chibhende muzvinyorwa kana mukutaura kwake. Chiduma mutauro inotapira parurimi asi wakadzika senyanza pazvirevo. Detembo iri
rino pururudzira kupera kwedzihwa reKovhidi rakanga radai kutigarisa mumwena senyoka, asi tichingorumwa zvakadaro.
Mwari vakatirwira tendai ishe, kunyangezvedu tichiri kunanzva maronda.