Skip to content
Home » Poetry » Issue 4 » Ndakatama

Ndakatama

Ndakatama paya pataigara, pataipinda
Nesvizhira svakapfumba Semwezha wembeva
Svichinanga kuzvidzimba zvakavakwa
chero zvazvaita bhurugwa rebenzi,

Handichagari kuya
Kwataigarotsengerwa mvura naLandlord
Tichiudzwa makunun’unu maodzamoyo
Setaigara mahara.

Ndakatama kuya
Kwainaya mvura yematambudziko
Tichirara takafuka chando
Gezatidye achigara ari mweni

Handichagariko kuya
Kwataigara takadengezera rufu mumusoro
Ndakasvisvinwa mumuromo merima rehusiku
Ndokunopfirwa pamakumbo echayedza chemangwanani
Kuti ndimwewo mukaka pazamo rerugare

Also by this poet: